Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 01, 2021


Mamwe matunhu anoti ari kutarisana nedambudziko rekushaikwa kwenhomba yeCovid-19 panguva iyo bazi rezvehutano richiti nhomba dzashandiswa munyika yose dzasvika pamiriyoni imwe chete nezviuru makumi maviri nemakumi manomwe nesere, kana kuti 1 020 078.

Bazi redzidzo yepasi rotarisira kuti vadzidzi pamwe nevarairidzi vose vakambenge vabatwa neCovid-19 vanenge vapora panovharwa zvikoro neChishanu svondo rino, kukundikana kwavo vopiwa kubazi rezvehutano uko vachazogariswa kwavo voga senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Asi rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers' Union of Zimbabwe, rinoti masangano evarairidzi ari kusiiwa kunze muhurongwa hwose huri kuitwa nebazi redzidzo yepasi panyaya iyi, uye hurumende haina zvikwanisiro zvekuona kuti vose vane Covid-19 vazivikanwa.

Paita ropa rakaipa pakati pehurumende nevemabhizimisi zvichitevera mutemo wakadzikwa nechimbi chimbi svondo rapera uyo unomanikidza vemabhizimisi kuti vatengese zvinhu nemutengo unoendererana newepamusika wemari webhanga guru renyika kwete wepamukoto. Vemabhizimisi vanoti zvinhu zvichatanga kushaikwa muzvitoro

Varimi vekumaruwa vokurudzirwa kuti varime zvirimwa zvakaita semapfunde, mhunga, zviyo kana kuti rukweza nezvimwe zvirimwa zvinobatsira mukavaka hutano hwakanaka, uye zvisingadi mvura yakawandisa.

Mitambo yepakati pesvondo iri kutanga mangwana nemutambo weChibuku Super Cup pakati peHarare City neHerentals uyo uri muNational Sports Stadium.

Muchirongwa cheThe Connetion na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munguva yeLockdown muguta reKwekwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG