Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chivabvu 31, 2021.


Vamwe vanhu varikuda kubayiwa nhomba yeCovid-19 vanoti vari kutadza kuiwana sezvo yave shoma.

Sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe royambira kuti zvinhu zvinogona kutanga kushaikwa muzvitoro nekuda kwemutemo mutsva wehurumende weStatutory Instrument 127. Asi hurumende inoti iri kuda kugadzirisa zvinhu panyaya yemitengo.

Mutori wenhau Jeffrey Moyo omiswa pamberi pedare kuBulawayo nhasi achida kuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa yekushandisa mapepa emanyepo kuti abatsire kuti vatori venhau veNew York Times vapinde munyika.

Sangano reNational Transitional Justice Working Group (NTJWG) roshora kubiwa kwedombo rakaiswa kuBhalagwe kurangarira vanhu vanonzi vakapondwa munguva yeGukurahundi nemauto eFifth Brigade.

POLAD yoita musangano wekuzeya nyaya yekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.

Tichakupai zvakabuda mumitambo yeChibuku Super Cup neBasketball Africa League mukupera kweSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekupararira kwechirwere cheCovid-19 nekubayiwa kwenhomba yacho uye kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG