Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 28, 2021


Vatongi vematare maviri epamusoro soro eSupreme Court neConstitutional Court vanopindawo mugakava riri panyaya yaVaLuke Malaba zvichitevera kusvitsa kwavaita magwaro avo kuSupreme Court izvo zvava kureva kuti vose havakwanisi kunzwa nyaya yaVaMalaba.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 paBondolfi Teachers College hwakakwira kusvika pazana nevatatu zvichitevera kubatwa kwevanhu vanomwe vaine chirwere ichi muongoro dzakaitwa nezuro.

Munyika mose vanhu makumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vatatu vakafa muBulawayo nechirwere ichi nezuro wakare.

Vatungamiri venyika dziri muSADC Troika havana kubuda nechisungo chakati tsvikiti pamusangano wechimbi chimbi weDouble Troika wakaitirwa kuMozambique nezuro uyo wainge wakanangana nehondo iri mudunhu reCabo Delagado kuMozambique kwakare.

Mutori wenhau, Jeffrey Moyo, anomiswa pamberi pedare muBulawayo achipomerwa mhosva yekutyora mitemo yekupinda nekubuda munyika magweta ake achiti mapurisa akatyora mitemo inoabvumidza kuchengeta musungwa asati amiswa pamberi pedare.

Mapositori akawanda munyika anonzi ari kurambidza vana vawo kubayiwa nhomba dzekudzivirira zvirwere zvakawanda zvinobata vana vane makore gumi nemashanu zvichidzika.

Zvikwata zveCaps United neDynamos zviri panguva yakaoma mumakundano eChibuku Super Cup ayo ari kupinda munharaunda yepiri mangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG