Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 27, 2021


Chikoro cheBondolfi Teachers College chinovharwa kuMasvingo zvichitevera kuputika kwechirwere cheCovid-19 nezuro pachikoro ichi icho chakabata vadzidzi nevarairidzi vakawanda, uye vamwe vachitarisirwa kubatwa nacho muongororo yechimbi chimbi iri kuitwa nehurumende.

Vanhu zana negumi nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro munyika yose, uye vanhu vaviri vakafa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vatungamiri venyika dziri muSADC Troika vari kuMaputo, Mozambique, kumusangano wechimbi chimbi weDouble Troika vachironga nzira dzekupedza hondo iri kuitika mudunhu reCabo Delagado kuMozambique kwakare.

Vanopikisa pamwe nevemasangano anoita nezvesarudzo vakazvimirira vanoti sarudzo dzichaitwa muna 2023 dzichaita zvakare mutauro nekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havasi kuratidza chido chekuvandudza maitirwo esarudzo munyika kunyange hazvo vakavimbisa kuita izvi pavakapinda panyanga

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, achamiswa pamberi pedare kuBulawayo mangwana achipomerwa mhosva yekutyora mitemo yekupinda nekubuda munyika mushure mekupomerwa mhosva yekubatsira vamwe vatori venhau veNew York Times kupinda munyika.

Moto unotyisa unoparadza chivakwa chepaMpilo hospital muBulawayo chinonzi chinogara vashandi vezvehutano ndokuparadza midziyo yevagari ava inodarika zviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica.

Vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo vanoparura sangano ravo idzva uye riri rekutanga munyika rinonzi Zimbabwe National Union of School Heads.

Varimi vari vemudunhu reMatabeleland South vari kukuridzirwa nenyanzvi dzesangano rakazvimirira kurima zvirimwa zvaishandiswa zvakanyanya manyakare sezvo zvirimwa izvi zvichibatsira kuvaka hutano hwakanaka hwemunhu anodya zvirimwa izvi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG