Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 26, 2021


Bato reMDC Alliance rinoti vana veZimbabwe vanofanirwa kuita muonerapamwe voronga hwaro hwekuita sarudzo dzinogamuchirwa nemunhu wese izvo zvinoita kuti nyika ienderere mberi.

Nyaya yekuenda kubasa kuri kuitwa naVaLuke Malaba, avo vakanzi nedare repamusoro vaende kumudyandigere, yokonzeresa mutauro pamwe nekubvisa chiremera chematare edzimhosva.

Dare ramajisitiriti rinorasa chikumbiro chemunyori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin'ono, chekuti nyaya yaari kupomerwa yekunyora manyepo iraswe.

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuBulawayo nezuro.

Studio7 inoita hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, VaChaka Ngwenya, pamusoro pezvirongwa zvavari kuita kuno kuAmerica pamwe nekumusha.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG