Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 27, 2021


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, nevakuru vakuru vemauto vari kuMozambique kumusangano wemakurukota enyika dzemudunhu reSADC wekuronga nzira dzekubatsira Mozambique iyo iri kurwiswa nevanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti kusamira zvakanaka kwemitemo yevashandi kwave kupa kuti vashandi vakaita sevave kudzingwa mabasa kuCBZ vamanikidzwe kuenda pamudyandigere vasina chavainacho bhanga iri richiti riri kumisa vashandi varo basa nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye rave kushandisa michina yakawanda.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu gumi nevatanhatu,16, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nezuro wakare.

Kanzuru yeguta reGweru yonetsana nevagari vayo avo vari kuti kanzuru iri kuramba kuderedza mitero yakakwidzwa mushure mekutambirwa kwebhajeti yegore rino vachiti mitero iyi yakanyanya kukwira zvekuti havagoni kuibhadhara.

Zanu PF yotambira vose vakambenge vadzingwa mubato iri vachinzi vaive nhengo dzeG40. Asi vose vari kuramba vachituka nekunyomba hurumende pamwe nemutungamiri wenyika havasi kuzombvumidzwa kudzoka muZanu PF.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG