Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 26, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19 uye vamwe vanhu makumi maviri nevaviri vakawanikwa vaine chirwere ichi, panguva iyo vanhu vasere vazhinji vavo vari vana vechikoro vanoiswa kwavo voga (quarantine) mushure mekuwanikwa kwedenda reCovid-19 paMzilikazi Primary School kuBulawayo.

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mbayiwa vokumbira dare kuti rirase mhosva yavari kupomerwa sezvo mapurisa ari kutatarika kuunza humbowo kumatare.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vopomerwa mhosva yekuda kumanikidza Cotco kupa vanhu vasina ruzivo basa kuMakonde.

Sachigaro wevechidiki weMDC Youth Alliance VaObey Sithole vosungwa masangano anorwira kodzero dzevanhu achiti ari kushushikana nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanopikisa.

United Nations Human Rights Commission yoongorora nyaya y

ezvizvarwa zveZimbabwe zvange zviri muhupoteri kuBotswana zvakadzingwa nechisimba ndokusiiwa mushorobha rePlumtree.

Varume vakawanda vekuManicaland votambira nzira yekuronga mhuri yevanhurume inonzi vacectomy.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dzichiri kushushika nehuwandu hwemadzimai ari kufa achisungunuka munyika.

Muchirongwa chelivetalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munguva ino yekurwisa chirwere checovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG