Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 23, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matatu nevasere vakawanikwa vaine chirwere che Covid-19 zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga pazviuru makumi matatu nezvisere negumi nevasere, kana kuti 38 018. Hapana munhu akafa nezuro izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa huri pa chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nevashanu.

Bazi rezvehutano rakatiwo vanhu zviuru gumi nezviviri nemazana mana ane makumi mana, 12 440, vakabaiwawo nhomba yavo yekutanga zvakasvitsa huwandu hwevabaiwa nhomba yekutanga pazviuru mazana matatu nezvisere zvine makumi manomwe nemumwe, kana kuti 308 071, kuchitiwo vamwe zviuru zvitanhatu nemazana matatu ane makumi matanhatu nevatatu, kana kuti 6 363, vachibaiwa nhomba yepiri.

Mamwe masangano anomirira varairidzi pasi pesangano reZimbabwe Federation of Educators Union nhasi aita chisungo chekuti ave kupinza vabereki nevana vechikoro muhondo yawo yekuti hurumende ivape mihoro inogutsa varairidzi.

Vabereki vane vana muzvikoro muMasvingo vari kuchemachema zvikuru nekuwedzerwa kwemari yechikoro kwakaitwa pakati pekotoro vachiti havakwanisi kubhadhara mari dziri kudiwa idzi.

Vaimbove vapoteri muBotswana vakadzoserwa kuZimbabwe, vodzokera zvakare kuBotswana vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika yavakazvarirwa.

Sangano reZimbabwe National Family Planning Council robatana nevatori venhau mukubatsira kupa dzidziso kune veruzhinji maererano nenyaya dzezvehutano hwepabonde.

Chikwata cheZimbabwe Cricket nhasi chaita mashiripiti mushure mekurova Pakistan nemaranzi gumi nemapfumbamwe mumutambo wacho wechipiri
wemaT20.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG