Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 22, 2021


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovd-19 kuMashonaland East nezuro vamwe zana nevashanu kana kuti 105 vakabatwa nechirwere ichi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa vobayiwa nhomba yavo yechipiri yeCovid-19 kuKwekwe.

Mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe oendeswa kuchipatara mushure mekurwara ari mujeri reChikurubi nezuro.

Vakwegura vochema chema nemari shoma dzavanoti vari kutambiriswa dzopa kuti vanonge svosve nemuromo.

Vechidik votambira hurongwa hweAmerica hwekuti chirongwa cheMandela

Washington Fellowship chinodzidzisa vechidiki mabasa akasiyana siyana chienderera mberi.

Kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kwounza kusawirirana kwakanyanya munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk, Women’s Roundtable na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekupararira kwechirwere cheCovid-19 uye hurongwa hwekubayiwa kwevanhu nhomba yacho.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG