Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 21, 2021


Bazi rezvehutano rinoti nezuro munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South ukuwo imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano ichikurudzirwa vabayiwa nhomba kuti varambe vachipfeka mamasiki

Masangano anomirira varairidzi anoita musangano wechimbichimbi muHarare achizeya matanho matambudziko akatarisana nevarairidzi panguva iyo hurumende iri kuvayambira kuti vachanyimwa mari kana kudzingwa mabasa kana vakatadza kuenda kubasa sezvavari kuita.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kwakabudirira muNational Assembly nezuro kunodzorera shure hutongi hwejekerere pamwe nezvakasarudzwa nevanhu pavakaumba bumbiro remitemo yenyika rakatanga kushanda muna 2013.

Sangano rinoona nezvekufamba kwevanhu kubva mune imwe nyika vachienda mune imwe, reInternational Organisation for Migration rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zvadzokera kumusha kubva zvatanga denda reCovid-19 muna Kukadzi 2020, zvichitevera kuoma kwehupenyu munyika dzazvange zviri.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG