Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 20, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zana nevasere kana kuti 108, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nezuro uye hapana munhu akafa nekuda kwechirwere ichi. Vanhu chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nevashanu, kana kuti 1985, vakabaiwawo nhomba yekutanga nezuro wakare.

Vagari vedhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nedanho rakaitwa nekanzuru yavo rekupa mudzimai wemutungamiri wenyika zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica yekuti vashandise pamakwikwi ekubika panguva iyo vagari vari kunetsekana nemvura. Vagari vanoti mari iyi yaikwanisa kucheresa chibhorani chemvura.

Vamwe vemakambani ari kushanda pasi peZUPCO kwaMutare vave kuramba kuenda kune dzimwe nzvimbo nekuda kwekusamira zvakanaka kwemigwagwa apo kanzuru yeMutare neZINARA zvonakurirana nyoka mhenyu.

Vamwe vemabhizimisi vanoti mitero yavanozobhadhara iri kupa kuti vadhurise zvinhu kunyange hazvo vari kuwana mari nemutengo wakati dererei pamusika wemari kana kuti foreign currency auction system zvichienzaniswa nepamusika wemukoto.

Vanhu vakawanda vari kuwana chikafu kuburikidza neWorld Food Program mumadhorobha vanoti mari yavari kupihwa haichakwane kutenga zvekudya zvemhuri dzavo sezvo mitengo yechikafu iri kukwira zvakanyanya.

Vechidiki vakawanda vanoti vari kushaya mabasa munyika kunyange hazvo vaine zvidzidzo zvepamusoro.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG