Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 19, 2021


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMashonaland Central nezuro. Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mashanu nevatatu kana kuti 1, 553.

Dzimwe nyanzvi dzokurudzira vanhu kuti vaenderere mberi vachibayiwa nhomba munyika kunyangwe poita matambudziko nedzimwe nhomba dzisati dzapinda munyika dzakaita seAstraZeneca neJohnson and Johnson.

Vamwe vagari vemudunhu reMasvingo vokumbira hurumende kuti ibatsire kudzosa kumusha hama dzavo dzakaenda kunotsvaga mafuro manyoro kuMozambique uko kwave nehondo mudunhu reCabo Del Gado.

Hurumende inoyambira varairidzi vasiri kuenda kumabasa kuti vachanyimwa mihoro yavo panguva imwecheteyo vari kuitisa zvidzidzo munguva dzavo kana kuti private lessons, vachinzi vachadzingwa mabasa.

Muchirongwa chelivetalk- na8pm tiri kutarisa nezvezuva rekuwana kuzvitonga kuzere uye nyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nehondo iri kuMozambique.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM 4930, 6170 NE 7270 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 4930 6040 15460

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG