Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 16, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vaviri vakashaya neCovid-19, panguva iyo vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana matatu, kana kuti 21 300, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere ichi, kanove kekutanga kuwana huwandu hwakadai huchibaiwa nhomba pazuva rimwe chete.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zvikuru kuvharirwa mujeri kwenguva refu kwemadzimai echidiki maviri eMDC Alliance achiti mukana wekutongwa kwemunhu achibva kumba kwake unofanirwa kupihwa kumunhu wese sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika makumi matanhatu zvanga zviri muhupoteri muBotswana zvakaramba kudzokera kumusha, zvinosiyiwa zvakandwa nehurumende yeBotswana pamuganhu weZimbabwe neBotswana

Sangano reAmnesty International rinoburitsa gwaro rinoratidza kutyorwa kwekodzero dzevana veZimbabwe vanozopedzisira vasina nyika yavanoti ndeyavo.

Zvikwata zveDynamos neHighlanders zviri kusangana mufainari yeIndependence Trophy nemusi weSvondo zviine donzvo rekuratidza kuti zvikwata izvi zvakagadzirira zvakakwana kudzoka kwenhabvu munyika iyo yakapefdzisira kutambwa muna Mbudzi 2019

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kusvitsa kwenyika makore makumi mana nerimwe yawana kuzvitonga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG