Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 15, 2021


Bazi rezvehutano rinozivisa kuti vanhu vashanu vakafa neCovid-19 nezuro, uye vamwe makumi matatu nevapfumbamwe vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Bazi iri rakazivisawo kuti vanhu zviuru gumi nezvitatu nezana negumi nevatanhatu, kana kuti 13 116, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, kuchitiwo vamwe mazana matanhatu nemakumi mashanu nevanomwe, kana kuti 657, vakabaiwa nhomba yavo yepiri.

Mapurisa anonetsana nevatsigiri veMDC Alliance vanga vaungana padare remajesitireti muHarare vachida kunzwa kutongwa kwenyaya iri kupomerwa mumiriri weZengeza West muNational Assembly, VaJob Sikhala.

Vebato reMDC Alliance neZanu-PF vokakavadzana nekudzoswa kwoitwa chirongwa cheNational Youth Service nehurumende pamberi pesarudzo dza2023.

Vagari vekuMasvingo vonyunyuta nehuwandu hwevanhu vari kukwanisa kutora zvitupa nemagwaro ekuberekwa pazuva vachiti vanhu makumi maviri nevashanu pazuva vashoma zvikuru.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG