Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 14, 2021


Hurumende inorambidza vadzidzi vari muma Boarding Schools kushanya kana kushanyirwa pazororo rekupemberera kuwana kuzvitonga kwenyika senzira yekudzvirira kupararira kwedenda reCovid-19 iro rabata vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nezvinomwe, uye paine vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi mana nevatatu vashaya nechirwere ichi.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vari kupomera vamwe vanopikisa vavasina kudoma nemazita avo mhosva yekusungisa imwe nhengo yebato ravo, VaSox Chikowero, nemapurisa.

Dare redzimhosva rinoti kudzingwa kwemumiriri weMDC Alliance muHarare East muparamende, VaTendai Biti, nevamwe vavo vashanu, hakusi pamutemo nekuti munhu akaronga kwedzingwa kwenhengo dzedare iri, haasi nhengo yePeople’s Democratic Party. Izvi zvinoreva kuti VaBiti nevamwe vavo vava kudzokera kunoita basa ravo muparamende.

Sachigaro wesangano revaimbove varwiri verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaConilious Muoni, vanoti nhengo dzavo dziri kunonga svosve nemuromo sezvo mari dzadziri kupihwa dziri shoma uye dzisingauye nenguva, kusarapwa pachena muzvipatara uye kubviswa kwemhuri idzi mumamapurazi kana baba vemusha vachinge vafa.

Rimwe sangano rinomirira vana mukoti rinoti harizi kufara nedanho rehurumende rekumira kubhadhara mari yekushanda husiku yaipiwa kuvashandi vose vezvehutano ichiti yave kupa mari iyi kune vanenge vashanda husiku chete.

Aimbove mukokeri wechikwata chekiriketi muZimbabwe, Heath Sreak, amiswa kuva nechekuita nemitambo yekiriketi kwemakore masere zvichitevera kuwanikwa neInternational Cricket Council atyora kashanu mirawu inorambidza kuita zvehuori. Izvi zvapa sangano revachuchisi muZimbabwe, reNational Prosecuting Authority, kuti riferefete kana Streak akatyorawo mitemo yemuZimbabwe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizbvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG