Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 13, 2021


Kanzura weMDC Alliance kuChiredzi, VaGilbert Mutubuki, vanobhadhariswa mari yechibatiso nedare rekuMasvngo pamhosva yavari kupomerwa yekukurudzira vagari vekwaChivi kuti vapandukire hurumende.

Makanzuru akawanda opokana neveruzhinji munyika apo atanga kurambidza vagari kutengesa mabhero mumisika yawo senzira yekudzivirira kupararia kwedenda reCovid-19. Nyanzvi dzinoti uku kuomesera veruzhinji avo vave kupona nekutengesa mabhero embatya sezvo munyika musina mabasa.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzokurukurudzira kuti nhomba dziri kubayiwa vanhu munyika dziongororwe zvakadzama kushanda kwadzo zvichitevera mashoko ekuti nhomba dzeku China hadzina simba rakanyanya mukudzivirira chirwere cheCovid-19, uye zvichinziwo nhomba idzi hadzina kutambirwa neWorld Health Organization kuti dzishandiswe kuruzhinji rwevanhu.

Sangano rinomirira vakoti, reZimbabwe Nurses Association, roendesa Health Services Board kumatare edzimhosva richinyunyuta nekwarinoti kubviswa kwemutungamiri waro, VaEnock Dongo, muchikwata chenhaurirano dzemihoro chinobatanidza vashandi nevashandirwi, che Health Services Bipartite Negotiating Panel.

Hurumende ichiri kutsvaga nzira dzekukwezva vekunze vanoda kuuchika mari dzavo munyika kuburikidza nemusika weVictoria Falls Stock Exchange asi makambani akawanda achiti haana chivimbo chekuti anozowana mari dzawo yekunze kana ave kuida.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG