Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 12, 2021


Mutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn Doctor Simba Makoni avo vaive munyori mukuru weSADC kwemakore gumi vanoti vanotambira kutumirwa kwemauto negungano iri kuMozambique sezvo riri rimwe donzvo rakaunza nyika idzi pamwe chete.

Mashoko atiri kutambira anoti chizvarwa cheZimbabwe VaNyasha Mugwagwa vainge vasiri kuzivikanwa kuti varipi kubva musi wa24 Kurume pakarwiswa nzvimbo yePalma mudunhu reCabo Delgado muMozambique vaonekwa vakafa.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union, PTUZ, ropomera bazi rezvedzidzo yepasi mhosva yekunyepa kuti rakanga rakagadzirira zvakakwana kudzivirira Covid-19 muzvikoro zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevana vechikoro nevarairidzi vabatwa nechirwere ichi.

Asi bazi redzidzo yepasi rinoti rinomira neshoko raro rekuti hurongwa hwarakaisa muzvikoro hwekudzivirira kupararira kweCovid-19, hwe Standard Operating Procedures, huri kushanda sezvinotarisirwa uye riri kugutsikana nahwo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzoyambira vari kuputa nekunwa zvinodhaka kuti vari kuisa hupenyu hwavo munjodzi.

Munhau dzemitambo, chikwata cheDynamos chinoti chaunganidza vatambi vachinofunga kuti vanosimudza mukombe wePremier Soccer League gore rino.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kutanga kupararira kwoita chirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM 4930, 6170 NE 7270 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 4930 6040 15460

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG