Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 09, 2021


Hurumende yakazivisa nezuro kuti munhu mumwechete akafa ne Covid-19 kuMashonaland East uye vamwe makumi matanhatu nevasere kana kuti 68, vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Bazi rezvehutano rakatiwo vanhu zviuru gumi nezvitatu nemazana matatu nevashanu, kana kuti 13 305, vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro, izvo zvakasiya vanhu zviuru zana nemakumi matanhatu nezvitanhatu zvine mazana mashanu nemakumi mana nevatatu, kana kuti 166 543 vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 nyika yose.

Mumiriri weBudiriro mudare reparamende, VaCosta Machingauta, vomira mudare nhasi.

Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi masisi vakazivisa nezuro kuti nyika dziri mugungano reSADC dziri kuunganidza zvikwanisiro zvekuti dzibatsire Mozambique iyo iri kurwiswa nevanopfurikidza mwero.

Mufundisi veUnited Methodist, Reverend Isaac mapipi Mawokomatanda vanoradzikwa kumarinda eOld Mutare kwaMutare kwakare.

Murume waMambokadzi vekuBritain, Queen Elizabeth, Prince Philip, vanoshaya vave nemakore makumi mapfumbabwe nemapfumbamwe ekuberekwa.

Munhau dzemitambo, mwaka wemutamo wekiriketi wotarisirwa kutanga mangwana pasina vatsigiri vemutambo uyu vachapinda mudzinhandare senzira yekudzivirira Covid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutaura nezvedenda reCovid-19 uye nyaya yekubaiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG