Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 08, 2021


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuMozambique kumusangano weSADC Troika uyo uri kutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko ari munyika iyi, iyo iri kurwiswa nevakapfurikidza mwero.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vava kudarika zana nemakumi mashanu ezviuru panguva iyo hurumende iri kuti iri kuda kubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi.

Vezvematongerwo enyika vozeya mutongo wakaturwa nedare repamusoro uyo wakarasa nyaya yakanga yakwidzwa nebato reMDC Alliance yekuti dare rimise hurumende kupa mari inopiwa mapato ane humiriri muparamende pasi pemutemo we Political Parties (Finance) Act kubato reMDC –T iro riri kutungamirirwa naVaDouglas Mwonzora.

Mapurisa pamwe nevasori vange vane gurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira, nhasi varambidza vagari vekuChilonga kuratidzira kusafara kwavo nehurongwa hwekuvabvisa munzvimbo dzacagere kuitira kuti minda yavo ishandiswe semadiridziro eminda yehuswa hwemombe dzemukaka dzekambani yeDendairy.



Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG