Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 07, 2021


Misika yefodya yavhurwa nhasi varimi vachigunun’una nemitengo yange iri pasi pamwe nedanho ehurumende rekuti vabhadharwe zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zviri mari yekunze kunyange hazvo ivo vaida kupihwa zvikamu makumi masere kubva muzana pamari yavenenge vatengesa fodya.

Veruzhinji vorumbidza nhepfenyuro yeStudio7 Shona nekusvitsa kwayaita nhasi makore gumi nemasere ichitepfenyura vachiti Srtudio7 inhepfenyuro inokoshesa mashoko echokwadi mukutepfenyura kwayo isina divi rainorerekera.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru gumi nezvishanu nezana nemakumi matatu nevatatu, 15 133, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi pazviuru zana nemakumi matatu nepfumbamwe nezana nemakumi matatu nevatatu, 139 133

Apo Amnesty International yaburitsa gwaro riri kupomera hurumende mhosva yekuuraya vanhu gumi munguva yeCovid-19 pasina kutorwa matanho nematare, dare reSenate ravhota richitambira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kunopa mutungamiri wenyika masimba ekusarudza vatongi vekumatare.

Mutumbi waMufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda veUnited Methodist Church, avo vakashaya musi wa 27 Kukadzi kuAtlanta mudunhu reGeorgia muAmerica, wasvika kumusha nhasi uchizotarisirwa kuradzikwa nemusi weChishanu Kubvumbi 09 2021 kumarinda eOld Mutare

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG