Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 06, 2021


Nhengo yeNational Executive Council yeMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, vanotongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemina zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekukurudzira mhirizhonga uye vachagara mujeri kwemwedzi mitanhatu pamhosva yekuramba kusungwa nemapurisa.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru zvitanhatu nezana nemakumi mashanu nevanomwe, 6 157, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi pazviuru zana nemakumi maviri nezvitatu nemazana mana nemakumi mashanu nevana, 123 454

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukwidzwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari neZimbabwe Energy and Regulatory Authority kana kuti ZERA kuchapa kuti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire zvakanyanya.

Mwaka wekutengeswa kwefodya wotarisirwa kutanga mangwana, varimi vachiti vanotarisira mutengo unovagutsa pamwe nekuti vazokwanisawo kugadzirira zvemwaka unotevera.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika mukurwisa dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG