Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 02, 2021


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru gumi nemazana manomwe ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 10 796, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, kuchitiwo vamwe zviuru zviviri zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nemumwe, 2 631, vachibaiwa nhomba yepiri.

Hurumende inoti vanhu vakwanda munyika vave kuenda kunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye inoti zviri kune veruzhinji kutsigira chirongwa chayo chekuti ibaye munhu wese kuti Covid-19 isarambe ichipararira munyika.

Makirisitu anocherechedza zuva rekufa kwaJesu Kristo achitevedzera
mitemo yekuderedza chirwere cheCovid-19 nekurangarira nyaya
dzekumanikidzwa pamwe nehutongi husina kururama pasi rose.

Rimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association rinoti nhengo dzaro dzichange dzoenda kunodzidzisa kwemazuva matatu chete pasvondo dzichinyunyuta pamusoro pemihoro yadzinoti ishoma zvikuru.

Sangano rinotungamira nhabvu yepamusoro rePremier Soccer League razivisa zuva richatanga mitambo yenhabvu mushure memwedzi gumi nemishanu kusina nhabvu munyika

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zororo reEaster pamwe nezviri kuitika munyika mukurwisa dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG