Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 01, 2021


Hurumende inosangana nevashandi vayo avo vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro asi mamwe masangano evarairidzi achiti nhaurirano idzi hadzina chadzinobuditsa uye hadzisi pamutemo

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu makumi maviri nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zanu-PF neMDC Alliance dzotatsurana pamusoro nenyaya yehutongo hwejekerere, huori, sarudzo nezvimwe.

Zimbabwe Electoral Commission inovhura hurongwa hwekunyoresa kuvhota kutanga nhasi, sangano reElection Resource Centre richiti rinotambira hurongwa uhwu asi richinyunyuta nekusaitwa kwesarudzo dzema by-election.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munguva iyo Zimbabwe nepasi ose riri kutarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG