Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 31, 2021


Vanhu vakawanda voita maonero akasiyana-siyana, padanho ratorwa nehurumende rekurambidza veruzhinji kufamba nzendo pazororo reEaster senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu zviuru makumi manomwe nezviviri nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevana, 72 944, vainge vabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 mukupera kwezuva nezuro, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere, 36 858.

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vanoita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizeya kuti ndiyano achatora basa ranga richiitwa nemunyori weSADC, Amai Stergomana Tax.

Hurumende nevashandi vayo vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions raimbozivikanwa nekuti Apex Council voita musangano wenyaya yemuhoro mangwana mushure mekunge vashandi vayambira kuti vainge voda kuratidzira.

Musangano wemazuva matatu wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJust Associates unopera nhasi kwaMutare uchiburitsa pachena kuti madzimai akawanda munyika ari kutyorerwa kodzero dzavo mudzimba uye kumabasa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyiika zvichada kupinda munyika munguva yezororo re Easter zvotarisirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti zvakavhenekwa zvakawanikwa zvisina chirwere cheCovid-19 mukati memaawa makumi mana nemasere. Vanenge vasina magwaro aya vanotarisirwa kuzogara kumahotera kwemazuva gumi vachibhadhara voga mari dzekugara.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa komekedzo yakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti vanhu vasangofamba famba munguva yezororo reEaster senzira yekudzivirira dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG