Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 30, 2021


Zimbabwe yotarisira kusvika munyika nhasi masikati kweimwe nhomba inodzivirira COVID-19 yerudzi rwe SINOVAC inodarika miriyoni imwe chete (1 056 000) yakatengwa kubva kuChina

Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19.

Musangano wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJust Associates kana kuti JASS kwaMutare uri kuburitsa pachena kuti madzimai akawanda munyika ari kutyorerwa kodzero dzavo mudzimba uye kumabasa.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa chirongwa chekubaya vanhu nhomba inodzivirira chirwere cheCOVID-19 munyika Zimbabwe ichitambira nhomba kubva kuIndia neChina.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM 4930, 6170 NE 7270 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 4930 6040 15460

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG