Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 29, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votarisirwa nhasi masikati kugamuchira panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe nhomba yekudzivirira Covid-19 yerudzi rwe Covaxin yakapiwa Zimbabwe neIndia serubatsiro rwayo mukurwisana nedenda iri.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro munhu mumwe chete akafa nechirwere checovid-19 kuMatabeleland North.

Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Programme rinoti hurombo mumaguta emuZimbabwe wawedzera zvakanyanya zvekuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru zvina vanoda rubatsiro rwezvekudya.

Zimbabwe warriors yotamba neZambia mumutambo weAFCON manheru ano. Tine hurukuro nemutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yenhomba yeCovid-19 iri kubva kuIndia uye nyaya yekupararira kwechirwere ichi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 AM 4930, 6170 NE 7270 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 4930 6040 15460

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG