Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 24, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voparura chikamu chechipiri chekuti vanhu vabayiwe nhomba yeCovid-19 kuVictoria Falls.

Dare remakurukota rakazivisa nezuro kuti kutanga kwechirongwa chechipiri chekubaya nhomba kuchaona vafundisi, varairidzi, vatongi, vanoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye vari kurwara nevane makore makumi matanhatu zvichikwira vachitanga kubayiwa.

Vakapihwa chiremerera chekumirira Zimbabwe kana kuti Honarary Ambassador kuBelarus vachitengesawo zvombo zvehondo VaAlyaksandr (Alexander) Zingman vakasungwa kuDRC mushure mekuita musangano nevaive mutungamiri wenyika iyi VaJoseph Kabila.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzorwa kubva muhupoteri kubva kuDukwi Camp, kuBotswana zvinoti zvichadzokera muhupoteri nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Sangano rinomiririra zvizvarwa zveSADC zvinogara muAmerica reSouthern African community USA, nemusi weSvondo rakakokera hurukuro padandemutande pamusoro pedenda recovid-19 senzira yekuti veruzhinji vanzwisise pamusoro pedenda iri uye kuti ringabatwa sei.

Munhau dzemitambo, chikwata cheZimbabwe Warriors chosimuka kuenda kuBotswana kumutambo wakakosha weAFCON

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvekuparurwa kwechirongwa chechipiri chekubayiwa nhomba yeCovid-19 nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye mashoko eAmerica ekuti hurumende yeZimbabwe iri kumbunyikidza vanopikisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG