Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 23, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vadzidzi vakawanda vari kuonekwa vasina kupfeka mamasiki izvo zvinogona kuisa hutano hwavo munjodzi sezvo chirwere cheCovid-19 chisati chapera munyika kunyange hazvo vamwe vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Veruzhinji vakabayiwa nhombo yepiri yeCovid-19 vari kukurudzira hurumende kuti isimbaradze hurongwa hwayo hwekudzidzisa veruzhinji kukosha kwakaita kubayiwa nhomba panguva iyo vanhu mazana maviri nemakumi masere chete vabaiyiwa nhomba yepiri yeCovid-19 munyika yose.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti vari kuda kuti nhaurirano pakati pehurumende, vashandi, nevashandirwi pasi pegungano reTripartite Negotiating Forum dziitwe mwedzi uno usati wapera kunyange hazvo vashandi vari kuti hurumende haisi kuratidza kuzvipira kuita zvairi kutaura.

Komiti yedare reseneti muAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika inoti kudzingwa muparamende kwemumiriri weHarare East, VaTendai Biti, pamwe nedzimwe nhengo dzeparamende dzebato rinopikisa reMDC Alliance svondo rapera ndemumwe muenzaniso wehurongwa hwehurumende hwekuda kuparadza bato rinopikisa uye kumbunyikidza zvido zvevana veZimbabwe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika panguva iyo Zimbabwe iri muhurongwa hwekubaya vanhu vayo nhomba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG