Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 22, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votarisirwa kuparura chikamu chechipiri chekuti vanhu vabayiwe nhomba yeCovid-19 kuVictoria Falls nemusi weChitatu apo vamwe vaifanira kubayiwa muchikamu chekutanga kusanganisira vashandi vemuzvipatara nevatori venhau vachiri kuzengurira.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Zvikoro zvovhurwa nhasi kune vasiri kunyora bvunzo asi paine matambudziko kune dzimwe nzvimbo sezvo vamwe vabereki vange vachiyedza kunyoresa vana nhasi.

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinosvitsa gwaro renyunyuto muzvikoro, kumahofisi emapazi edzidzo, vashandi nemabasa, pamwe nemutungamiri wenyika richikurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko akatarisana nevarairidzi pamwe nevadzidzi, panguva iyo hurumende iri kuti iri kugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari muTanzania vachichema mutungamiri wenyika iyi VaJohn Pombe Magufuli vanonzi vakashaya nechirwere chemoyo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvenyaya yechirwere cheCovid-19.


Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG