Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 19, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Nyanzvi dzehutano dzoshushikana nekushomeka kwevanhu vari kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 muzvirongwa zvePhase 1 nePhase 2, dzichikurudzira hurumende kuti ishande zvakasimba nemasangano evashandi mukushambadza nhomba iyi kana hurumende ichine tarisiro yekubaya vanhu mamiriyoni gumi.

Chipatara cheParirenyatwa chinoti huwandu wevana vemuzvikoro zvepasi nepamusoro vari kuvhenekwa Covid-19 pachipatara ichi huri kukwira zvichitevera chikumbiro chezvimwe zvikoro chekuti vana nezvikoro vanofanira kudzoka kuchikoro vaine zvitupa zvinoratidza kuti vakaongororwa.

Mutumbi wemutambi aive nemukurumbira, Anne Nhira, wotarisirwa kuradzikwa muZimbabwe zvichitevera kusimuka kwawaita muSouth Africa nhasi masikati mushure memunamato waitirwa muRandburg.

Amai Samia Suluhu Hassan vanogadzwa kuva mutungamiri weTanzania zvichitevera kushaya kwaVaJohn Magufuli marimwezuro izvo zvichaita kuti vatonge nyika iyi kudzamara sarudzo dzaitwa muna 2025.

Sangano rePremier Soccer League ratanga nhasi kunyoreswa kwezvikwata nevatambi vachange vachitambira zvikwata izvi mwaka uno. Michael Kariati anotipa nyaya iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG