Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanobayiwa nhomba yepiri apo Zimbabwe inopinda muchikamu chepiri chokubaya nhomba varairidzi, vanoshanda mumahotera nenzvimbo dzinogarwa nevashanyi, pamwe nevashandi munyaya dzekurimwa nekutengeswa kwefodya munyika.
Nhengo dzeparamende dzinobatana nenyanzvi mukugadzirwa kwemishonga paine chinangwa chokuona kuti Zimbabwe yagadzirawo mishonga inodiwa munyika, uye mishonga iyi ichitengeswa nemari isingaomeri veruzhinji.
Mumiriri weTanzania muZimbabwe, Professor Emmanuel Mbena, vanoti nyika yavo yarasikirwa zvikuru nekushaya kwemutungamiri wenyika yavo, VaJohn Pombe Magufuli.
Vanhu vakawanda muZimbabwe vari kuita maonero akasiyana siyana pakufa kwaVaMagufuli vamwe vachiti mufi akanga ave mundzvanyiriri vamwe vachirumbidza VaMagufuli vachivati vaive mutungamiri aive negwara rakanaka pakusimudzira hupfumi hwenyika nekurwisa huwori.
Masangano evarairidzi ari kupesana panyaya yekudzodzokera kumabasa, mamwe achiti nhengo dzawo hadzisi kukwanisa kuenda kumabasa nekushaya mari, asi mamwe achikurudzira nhengo dzawo kuti dziende kumabasa kusvika nhaurirano dzemihoro dzeNational Joint Negotiation Council dzapera.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum