Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 17, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu chiuru nemazana masere nemakumi mapfumbamwe vakabayiwa nhomba yeCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yechirwere ichi pavanhu zviuru makumi matatu nezvipfumbamwe nemazana mashanu nemakumi mashanu, 39 550.

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vanoti nyaya yekuti vashandi vemuzvipatara vashoma vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 iri kukonzerwa nekuti hurumende haisi kuvapa dzidziso yakakwana.

Paramende yazivisa nhasi kuti yakatambira tsamba kubva kubato rePeople’s Democratic Party (PDP) richivazivisa kuti pane nhengo dzaro sere dzinosanganisira mumiriri weHarare East, VaTendai Biti, dzinofanira kudzingwa muparamende sezvo dzisisamirire zvido zvebato iri. PDP inoti nhengo idzi dzakapinda muparamende dzakamirira PDP muMDC Alliance.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muMontgomery County nePrince George’s County mudunhu reMaryland muAmerica, zvinorarama nehutachiwana hweHIV/AIDS zviri kukurudzirwa kupinda muchirongwa che HIV Engagement, kana kuti HIVE, icho chakanangana nekubatsira vasina mikana yakawanda.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG