Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 12, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19, vamwe makumi matatu nevatanhatu vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro.

Vanhu zana negumi nevasere ndivo chete vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 nezuro, apo hurumende iri kukurudzirwa kushanda nemasangano anomirira vashandi kuitira kuti nhomba iyi itambirike.

Vamiriri vevashandi vehurumende pamwe nevamiriri vehurumende vosangana kumusangano wekuzeya mihoro weNational Joint Negotiating Council, NJNC.

Dare ra mejasitiriti muGweru rinorasa chikumbiro chamuzvinabhizimisi Amai Smelly Dube chekuti vatongwe vachibva kumba. Amai Dube vari kupomerwa mhosva yekubira hurumende nekutengesera vanhu zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vovimbisa nyika yavo kuti vachaita kuti matunhu ose agadzirire kuwanisa vanhu vose vanokodzera kubaiwa nhomba yeCovid-19 panosvika Chivabvu 1 gore rino.

Munhau dzemitambo, Chikwata chemaWarriors chiri panguva yakaoma chakatarisana nemitambo miviri yakakosha yeAfcon.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG