Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 11, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu zana nemakumi mana vakabayiwa nhomba yeCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi munyika yose pazviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mapfumbamwe nemumwe chete, 35 901.

Hapana munhu akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, asi vanhu makumi maviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukarangarirakusvika kwegore kubva musi wakatarwa chirwere cheCovid-19 sedambudziko guru rabata pasi rose

Masangano ezvematongerwo enyika, machechi pamwe neanorwira kodzero dzevanhu anoungana muHarare pasi peSave Zimbabwe Campaign achirangarira kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaiika muna 2007.

Vezvematongerwo enyika vozeya mashoko emutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, ekuti hurumende yaVaMnangagwa pamwe neZanu PF vane hurongwa hwekuparadza bato ravo reMDC Alliance nenzira dzakasiyanasiyana.

Nhengo dzeMthwakazi Republic Party dzakasungwa nezuro muBulawayo, dzinomiswa mudare redzimhosva dzichipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.

Mutongi wedare ramejasitireti muHarare, Amai Vongai Muchuchuti, vanyima nhengo mbiri dzeMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri, mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti vaviri ava vanogona kupara dzimwe mhosva kana vakaburitswa muhusungwa.

Aimbove mutambi wemitambo yeStudio 263, Anne Nhira, akashaya nezuro kuSouth Africa mushure mekukuvadzwa nembava nemusi weMuvhuro muJohannesburg

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG