Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mashanu negumi nevasere vainge vabayiwa nhomba yeCovid-19 muchikamu chekutanga chekubaya nhomba vanhu munyika.
Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu gumi nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti dambudziko reCovid-19 pamwe nekutadza kutonga nyika zvakanaka ndizvo zvinhu zvaisa Zimbabwe parumananzombe.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anobatana mukurangarira murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore matanhatu apfuura, VaItai Dzamara.
Mitengo yezvinhu zvakawanda munyika yatanga kukwira zvakanyanya kunyange hazvo vashandi vari kugunun’una kuti havasi kuwedzerwa mari.
United Nations inobatsira South Africa nemari yekuti iongorore magwaro ehupoteri ayo awandisa munyika iyi asati apedzwa kuongororwa.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum