Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 08, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa neCovid-19 hunoramba huchidzikira asi vanhu vakawanda vari kunzi havachatevedzera mitemo inodzivirira kupararira kwehutachiwana hweCovid-19 kubva pakanyevenutswa mutemo unosungira kudzivirirwa kwedenda iri zvinogona kuzokonzerazve matambudziko.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Women’s Day.

Zifa yotatarika kunganidza vatambi pamitambo yeAfcon neBotswana neZambia nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa Zuva reMadzimai kana kuti International Women’s Day uye nyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

End

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG