Vanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi masere nevasere, 2 688, vakabayiwa nhomba yeCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi munyika yose pazviuru makumi matatu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevasere, 30 658.
Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pachiuru nemazana mana nemakumi masere nevatatu, 1 483.
Hurongwa hwehurumende hwekuda kugarisa patsva vanhu vekuChiredzi hwokonzera mutauro mukuru vagari veko vachiti havasi kuzobva munzvimbo dzavo idzo hurumende inoti yakapa kambani yeDendiary kuitira kuti irime sora remombe dzemukaka dzekambani iyi.
Mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti hapana chakaipa kuti hurukuro dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika dziitwe pasi pePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD kunyange hazvo mapato eMDC ari kuti kutungana kwembudzi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura mabhazi matsva makumi mashanu eZupco.
Vateveri vemitambo yenhabvu netsiva vanoti havasi kufara nedanho rehurumende rekusabvumidza kutangwa kwemitambo iyi munyika zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa zvinhu nehurumende.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum