Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 04, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chechikamu chekutanga chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chiri kuenderera mberi hurumende ichiti vanhu zviuru makumi maviri nezvinomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi manomwe, 27 970, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro.

Vanhu vatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu vatsva makumi matatu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

America inowedzera zvirango zvayakatemera vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZanu PF pamwe nemakambani avanodyidzana nawo.

Zanu PF inoti iri kuzadzisa zvinhu zvakawanda zvayakavimbisa musarudzo kuti ichaitira veruzhinji kunyange hazvo iri kunzwa vanhu vakawanda vachiti Zanu PF yakundikana kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Masangano evanhukadzi okurudzira kuti hurumende neZanu PF zviremekedze kodzero dzemadzimai zvichitevera kusiya basa kwaVaKembo Mohadi, uko mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vakanga vasina kutarisira kuti zvichaitika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu oenda kumatare achiedza kumisa hurumende kuti isabvise vanhu vekuChiredzi munzvimbo dzavagere.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG