Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 02, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chiri kuenderera mberi hurumende ichiti vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana mana nemakumi mashanu nevatanhatu, 21456, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro.

Kusiya basa kwevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, kwosimudza mutauro mukuru pamunhu achadomwa kuti atore basa rakasiyiwa naVaMohadi panguva iyo mazita evanhu vakawanda vanobva kuMatabeleland achitaurwa nezvawo pamusoro pechinzvimbo ichi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kumbovharwa kwenyika kwakaburitsa pachena kuti hurumende haina hurongwa hwakajeka hwekubatsira varombo kana paita dambudziko kunyange makurukota ehurumende aivimbisa kubatsira vanhu.

Sangano reAfrica Centers for Disease Control rinoti rine hurongwa hwekuona kuti vanhu bhiriyoni rimwe chete nemazana maviri emamiriyoni vari muAfrica vabayiwa nhomba yeCovid-19.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19 uye zvinoreva kunyevenutswa kwemitemo inobata Covid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG