Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro , Kurume 01, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vorerutsa mimwe mitemo yekuti vanhu vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kana kuti Lockdown.

Zimbabwe yopedza mazuva maviri pasina afa nechirwere cheCovid-19 kanova kekutanga gore rino.

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba chofambira mberi chichiparurwa kune vanochengetedza majeri nhasi.

Zimbabwe yotambisa vatambi vadiki mumutambo neAghanistan sezvo vamwe vakakuvara kana kuti vari kurwara.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19, mhirizhonga iri kuirika muSouth Africa uye zviri kuitika muAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG