Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 26, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chapinda muzuva reshanu vanhu vashoma vachienda kunobayiwa nhomba iyi munyika yose - iyo yave nevanhu zviuru gumi nechimwe nevanomwe vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro.

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu makumi matatu nevana vakabatwa nacho chirwere ichi nezuro wakare.

Mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vanenge vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 .vanogona kutadza kuwana mabasa mune remangwana oshorwa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Vanhu vakawanda vari kurasikirwa nemabasa zvichitevera kuvharwa kwenyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, pamwe nenhengo nhatu dzeZimbabwe National Students Union, vambosungwa nhasi kudare ramajisiriti muHarare vakazoburitswa mukati memaawa matatu mushure mekupindira kwemagweta avo pamwe nevakuru vakuru vemapurisa mudunhu reHarare.

Vagari vekuMasvingo vodya marasha zvichitevera kukwidzwa kwemitero yavo nezvikamu mazana masere kubva muzana.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG