Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 25, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekubaya nhomba yeCovid-19 chapinda muzuva rechina vari kutungamira chirongwa ichi kwaMutare vachiti hapana matambudziko avari kusangana nawo kunyange hazvo vanhu vari kuzvipira kubayiwa nhomba iyi vari vashoma

Vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu makumi mashanu vakabatwa nacho nezuro wakare.

Vamwe vakaremara votora mukana wekuvharwa kwenyika vachiita mabhizinesi anovapa pundutso.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa chero nguva kuti vawedzere kana kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri wehurumede yeZimbabwe nemakambani avanodyidzana nawo.

Vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu voyambirwa kuti varuke mazano anoita kuti vakwanise kuwana mari yakawanda munguva yekuoma kwezvinhu pasi rose.

Zifa inoburitsa mazita evatambi vachange vachimirira nyika mumitambo yeAfcon.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG