Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 24, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inopinda muzuva retatu ichibaya vanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushonga wakagadzirwa nekambani yeSinopharm yekuChina.

Vanhu vanodarika zviuru zvina nemakumi maviri nemumwe chete vanobayiwa nhomba iyi mumazuva maviri ekutanga kwechirongwa ichi izvo zvinoratidza kuti chirongwa ichi hachina kutanga zvine mutsindo munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vanoramba mashoko nemavhidhiyo ari kutenderera pamadandemutande vachitaura nyaya dzepabonde nedzimai echidiki, vachiti zvose zviri kuitwa izvi zvakanangana nekusvibisa zita ravo.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumapato anopiksa sezvo nhengo yeMDC Alliance Amai Lilian Timveos naVaBlessing Chebundi veMDC-T vati vave nhengo dzeZanu-PF ukuwo Muzvare Thokozane Khupe vachiramba kutambira kuti vakakundwa sarudzo yekutungamira MDC-T naVaDougla Mwonzora.

Nhengo yeZanu PF huru inobvuma kuti vakuru vakuru muZanu PF nemuhurumende vari kutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiri pamutemo.

Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG