Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi,Muvhuro , Kukadzi 22, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chakatangwa muHarare svondo rapera choparurwa mune mamwe matunhu nhasi.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvekutapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia

Manangazira vomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori panyaya yemari yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Nhengo dzeMDC Alliance gumi nembiri dzakasungwa nemusi weMugovera dziri pamahofisi ebato radzo muChinhoyi dzopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

EU yotaura mazita evanhu vari kuongorororwa panyaya dzezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mumwe mutambi wekuEngland Andy Rinomhota aramba kuuya kuzotambira chikwata cheZimbabwe Warriors.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekubaya vanhu nhomba hwaparurwa mumatunhu ose nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

End

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG