Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 19, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba chotanga nemusi weMuvhuro mumatunhu ose ari munyika zvichitevera kuparurwa kwacho muHarare nezuro.

Vagari vemuHarare vakawanda vanoti kunyange hazvo vari kufara kuti kwave nenhomba yokudzivirira chirwere cheCovid 19, vazhinji vavo vanoti havasi kunyatsonzwisisa nezvemushonga uyu.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzotaura pamusoro penhomba yeCovid-19 yakabva kuChina pamwe nezvinotarisirwa kuvanhu vachange vachibayiwa nhomba iyi.

Sangano reEuropean Union rinowedzera negore zvirango zvarakatemerwa kambani yemauto yeZimbabwe Defence Industries nepamusana pekutyora kodzero dzevanhu kwairi kuita.

Mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, VaAllan Moyo, vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munguva ino yeCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG