Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 18, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende nhasi yaparura kushandiswa kwenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvichitevera kupihwa kwakaitwa Zimbabwe nhomba yekambani yeSinopharm iyi nehurumende yeChina.

Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana mana negumi nevasere, kana kuti 1,418.

Zanu-PF neMDC Alliance zvotatsurana pamusoro pesarudzo dzema by elections mumakanzuru nemuparamende idzo dzakamiswa pasina nguva yakatarwa nehurumende ichiti iri kumborwisanana nechirwere cheCovid-19.

Kanzuru yeHarare inoti iri kukundikana kuita zvirongwa zvebudiriro nepamusana pekuti vamwe vagari pamwe nemamwe makambani vane zvikwereti zvavasina kubhadhara zvinodarika mabhiriyoni mashanu emadhora emunyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munguva ino yeCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG