Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 17, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana mana negumi nevana, kana kuti 1,414.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano inoratidza kuti vanhu vemuZimbabwe vari kurwara neCovid-19 vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, kana kuti 60%, vari kuwanikwa vaine mhando yehutachiona hwekuSouth Africa

Hurongwa hwekudzidzisa vanhu kubaya nhomba yeCovid-19 iyo yakapinda munyika neMuvhuro huri kuenderera mberi.

Hurumende inobhana kutengeswa kwenzvimbo dzekanzuru dzisina kugadziriswa zvakakwana kuvanhu pamwe nemakambani anoita zvekutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba nemabhizinesi

America nedzimwe nyika dzinocherechedza mwedzi wekurangarira nhoroondo yevanhu vatema, kana kuti “Black History Month”, iyo inocherechedzwa muna Kukadzi wegore roga roga.

Mutambi wetsiva wemuZimbabwe, Tinashe Madziwane, apihwa mukana wekusimudzira zita rake apo arik upinda munhandare achirwira mukombe weAfrica Boxing Union wehuremu hwe Super Bantamweight

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG