Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 16, 2021


Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana mana negumi, kana kuti 1,410.

Hurumende inotanga hurongwa hwekudzidzisa vanhu vachadzidzisa vamwe mumatunhu ose kubaya nhomba yeCovid-19 iyo yakapinda munyika nezuro.

Vamwe vemabhizinesi votambira kunyevenutswa kwechirongwa chekumbovhara mabhizinesi munguva ino yekuvharwa kwenyika asi vamwe vachiti zviri kudiwa kuti vavhure zvinonetsa kuzadzikisa nechimbichimbi.

Kanzuru yeMutare inodzikisa mimwe mitero yayakange yakwidza zvichitevera kuchema chema kwakaitwa nevagari.

Hurumende inobhana kutengeswa kwenzvimbo dzekanzuru kumakambani anoita zvekutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba nemabhizinesi

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munguva ino yeCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG