Mumiriri weZimbabwe kuMozambuque, uye vaimbove mukuru mukuru muZimbabwe National Army, Retired Major General Douglas Nyikayaramba, vashaya.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi nevatatu, 13, vakafa neCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandyu hwevanhu vafa pachiuru nemazana matatu nemakumi matatu nevapfumbamwe, kana kuti 1,339.
Vaimbova gurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Petronella Kagonye, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso panhosva yavari kupomerwa mushure mekunge vachuchisi vati havasi kupikisa chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba.
Mumiriri weHarare West muparamende nemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro.
Vashandi vehurumende vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Service Trade Unions (raimboinzi APEX Council) vonyorera kuhurumende vachikumbira kuti nhaurirano dzemihoro dzeNational Joint Negotiating Council, dzisimudzirwe.
Vanhu munyika vari kuchema chema nenyaya yekukwira zvakanyanya kwoita mitengo panguva iyo vakawanda vasiri kuenda kumabasa nekuda kwekurudziro yehurumende yekuti vagare mudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana zvotarisana nekumanikidzwa kudzokera kumusha kana zvikasanyoresa neUnited Nations High Commissioner for Refugees kuti zvidzoserwe kumusha kmusi wa Kukadzi 26 usati wapfuura.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum