Vanhu gumi vofa nechirwere cheCovid-19 apo huwandu wevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi horamba huchiderera.
Vaimbova gurukota rezvevashanDi Amai Petronella Kagonye vosungwa vachipomerwa mhosva yehuori kuNSSA uye mukutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba.
Dare reSenate muAmerica rotarisirwa kutanga mangwana kutonga nyaya iri kupomerwa vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump yekuti vakatyora bumbiro remitemo ekupesvedzera mhirizhonga.
PSL inoti yave kuda kuti mitambo yenhabvu itange ichitambirwa muzvikwata zvidiki mumaguta akasiyana siyana.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Facebook Forum